Nyoresa senhengo yeZRN!
Senhengo yakanyoreswa unokwanisa:
- kuwana mabhenefiti ekuva nhengo ye ZRN.
- kubatsira kugadzirisa nyika yedu.
- kuzvisimudzira kuti uve neupenyu uri nani.
Tiri zvizvarwa zve Zimbabwe zvakazvitakura ne chibereko che Zimbabwe idzva. Hatinei chekuita nezvematongerwo enyika. Tinoshuvira Zimbabwe idzva ine muono wakajeka, wakasimbiswa neruzivo uye nzwisiso ye upenyu nehunhu hwedu. Tinoshuvira nyika ye moyo chena, moyo werudo, moyo wekudanana sevana vevhu, uye moyo wekuda nyika yedu, moyo wekuvakana nekuvaka nyika yedu.

Kubatana, ndiyo mhinduro yematambudziko edu.
Kana muchida kuziva zvakawanda pamusoro pe ZRN, tinokupai ruzivo rwakakwana pano pawebsite uro runosanganisira muono wedu se boka (vision), tsanangudzo ye dambudziko rakonzeresa kuparara kwenyika yedu maererano nemaonero edu, uye chinangwa chedu, chekugadzirisa dambudziko iri. Munokwanisa zvekare kuverenga pamusoro pe tsika nemagariro atinotarisira ku nhengo dze ZRN, nechinangwa chekuvaka musha wedu we Zimbabwe padzva kubudikidza ne tsika nemagariro aya. Tine mabasa akawanda atinobata seboka nechinangwa chekubatsira kusimudzirana pamwe nekuita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibatane kubva kumativi ose. Zvose izvi tichiita nechinangwa chekuti tigadzirise matambudziko arikutishungurudza, tigadzirise patsva hunhu hwedu hwaparadzika, uye tivake nyika yedu patsva.
Kwauri iwe mwana we Zimbabwe wadai kuremerwa nehupenyu. Tinoti usatakure matambudziko ehupenyu uri wega. Huya, batana nevamwe tiyanane, tiwadzane, tiise misoro pamwe chete, tivakane, titarisane nematambudziko ehupenyu takawanda. Tikabatana tinokunda, vakuru vakataura vakati huwanda huuya. Zvirokwazvo, tine simba rekuzviitira tega zvakatadzikwa nehurumende kutiitira, zvakatopfuura nezvimwe izvozvo!





