Nyoresa se nhengo                   

Dambudziko Rauraya Nyika yeZimbabwe

Sangano reZimbabwe Renewal Network (ZRN), rakaongorora rikawana zvinhu zvitanhatu zvinotevera, izvo zvinokonzeresa kutambudzika kukuru uye kuparara kuri kuita nyika yedu yechizvarwa inova ndiyo amai vedu Zimbabwe:

  • Kusabatana:Vana veZimbabwe havachina mweya wemushandira pamwe, kana rudo pakati pavo. Mhongamupopoto watekeshera nenyika, vana vemunvhu vachirwisana nekutsvaka kuparadzana. Zvipatara, zvikoro, nezvimwe zvinodikanwa mukurarama kwedu zvaparara, pamwe nehupfumi hwedu. Vana veZimbabwe vonhonga svosve nemuromo
  • Kushaya ruzivo rwehunhu hwedu:Takarasikirwa neruzivo rwezvatiri sevanhu, sevana veZimbabwe. Tsika, magariro nehunhu hwedu, zvinova ndizvo zvaitibatanidza nekutiyananisa kuti tive neraramo zvakaparara, naizvozvo hapachina raramo yakanaka munyika.
  • Manyepo awandisa:Pane nhema dzakawanda dzakadzamiswa mumaonero nemafungiro edu, kusara tava nemafungiro ekuzvidzikisira nekuvengana, kutya kukuru, kusabatana, kusanzwisisa mamiriro ezvinhu zvinokosha muhupenyu uye kushaya hany'a nekuziva kana kuteedza chokwadi.
  • Veruzhinji vakatorerwa masimba avo: Izvi zvakonzeresa kuodzwa mwoyo uye kushaya simba, rekuzvirwira nekurwira hupfumi hwedu, hupenyu hwedu, nenyika yedu. Tave kugara pasi pehutongi hweudzvinyiriri uye nehutsinye hweavo vataifanira kunge tichivagarisa matare pane zvavaresva.
  • Vanhukadzi vadzikisirwaMumhuri anamai havachina zvikwanisiro zvekurera nekukudza vana vanowana dzidzo yakakwana uye hutano vane muono wekuendesa hupenyu hwavo uye nyika yavo mberi
  • Kurasikirwa nekodzero yedu sezvizvarwa zvenyikaHatichina simba pamusoro penyika yedu, hupfumi hwedu, zvivakwa zvemunyika medu. Vazhinji havachatoziva kuti zvese zviri munyika medu ndezvedu tese. Naizvozvo havana hany'a nazvo nyangwe vakaona zvichiparadzwa kana kubiwa. Kasi chinosiririsa ndechekuti ivo ndivo vanozosara vachitambura kana zvinhu zvese izvi zvaparadzwa kana kubiwa

Naizvozvo isu ve Zimbabwe Renewal Network takasarudza kubatana tichiisa misoro pamwe kuti tigadzirise zvinhu zvitanahatu izvi zvauraya nyika yedu nehupenyu hwevana veZimbabwe. Kuburikidza nemabasa atinobata tine chinangwa chekubatanhidza vana veZimbabwe, kuvapa ruzivo rwehunhu, tsika nemagariro emadzitateguru, kudyara mhodzi dzerudo, neruzivo rwechokwadi, kuvasimudzira kunyanyanya madzimai, nekuvabatsira kuva nehany'a nenyika yavo nezvese zviri mairi, nekuzvichengetedza:

Ruzivo Pamusoro pe ZRN

Zimbabwe Renewal Network (ZRN) iboka rakazvimirira rakavakwa nechinangwa chekubatsira kubatanidza mhuri ye Zimbabwe kuti vavakiridze nyika yavo neku simudzita hupenyu hwavo, vachigadzirisa zviri kunetsa munyika.

Chinangwa ichi chinozadzikiswa kuburikidza nekubatanidza vana ve Zimbabwe vane muono wemberi, avo vazvipira kuisa mari pamwe chete vachiisa misoro pamwe nekutsvaga zvavangaite kurapa chirwere chatambudza nyika, pane kungotarisa nyika ichiparadzwa. Kubatanida vose avo vanoda kuvaka nekuva nhengo yeboka rinokwanisa kuvasimudzira, kuvabatsira munguva dzakaoma, nekuchengetedza kodzero dzavo.

Kububdikidza nenzira dzakasiyana ZRN inotsvaka kubatsira vana veZimbabwe mune zvinovanetsa uye kuvadzidzisa kuzvimirira, kutora matanho ekuzvienderedza mberi uye kuchengetedza hupfumi hwenyika nezvivakwa zvenyika yavo.

Boka re ZRN ringori mubatsiri wevana veZimbabwe rinopa vana veZimbabwe vari munyika dzakasiyana pasi rose zvikwanisiro zvekuti vawane kodzero dzavo sezvizvarwa zvenyika, zvichemo zvavo zvinzwike, uye kuti nyika yavo ivakwe kubudikidza nekuda kwavo.


Donzvo redu

Donzvo redu nderekuvaka nekupa kune veruzhinji, chombo chiri muchimiro cheCivil Society Organisation, chakanangana nekuti chishandiswe nevagari vemuZimbabwe mukuvhenekerwa, kubatana nekufambisira mberi hupenyu hwavo muZimbabwe itsva ine budiriro. Zimbabwe ine ruzivo rwakasimudzika, neruzivo rwakakura nekunzwisisa kwehupenyu nekuzvimriritira nekuzvimiririra. Zimbabwe yakachangamuka ichisundwa nemweya werudo nekubatana pamwe chete nechido cheramangwana rakanaka rezvizvarwa zveZimbabwe zvese.


Tine tarisiro yeZimbabwe ine vagari vakabatanidzwa nepfungwa yekuona maZimbabwean ese senhengo dzechinhu chimwe. Ine vagari vanoziva nekunzwisisa kodzero dzavo pamwe nekunzwisisa zvavanosungirwa kuita sevana veZimbabwe.:

  • Kodzero dzavo: Kodzero dzavo dzekuti sevana veZimbabwe vawane pekugara, chekudya, chekupfeka, dzidzo, hutano nezvese zvakakosha mukurarama, munyika yavo yechizvarwa ye Zimbabwe, nekuti hakuna kumwe kwatingatarisire kuti vazviwane kunze kwemunyika yavo yechizvarwa. Uye zvakare kodzero dzavo dzekuwana mugove wavo wakafanira wezviwanikwa zvenyika yavo.
  • Zvavakasungirwa: Chisungo chekurwisa kuti nyika ifambire mberi uye kuti munharaunda dzavo dzavanogara muve nerugare kufambira mberi nebudiriro. Vachinzwisisa kuti hapana mumwe munhu anogona kutora mutoro iwoyo kwatiri. Kunzwisisa kuti isu ndisu chete tinokwanisa kurwira nekuvavarira kufambira mberi kwedu nehupenyu hwakanaka pamwe nekugara zvakanaka kwedu. Vachinzwisisa kuti hapana munhu pasi rose anouya kubva nyika yake kuzotigadzirira hupenyu hwakanaka isu takapeta maoko hedu.

Idi, tinoshuvira Zimbabwe ine vagari vane rudo pakati pavo, uye nenyika yavo. Nyika ine vagari vanosarudza zvinovaka nyika yedu nemhuri yedu ye Zimbabwe nguva dzose.