
Kuvhurika meso
Se boka reZRN tine zvakawanda zvata -kadzidza kumativi mana, pamusoro pemararamiro evanhu, zvinobatsira kuti munhu akwanise kuzvisimudzira nekushandudza hupenyu hwake.
Ruzivo rwakadai rwakakosha chose nekuti rukashaikwa, nyange nyanzvi munezvefundo ane dzidzo yepamusorosoro anotadza kushandisa dzidzo yake. Zvinova ndizvo zviri kuitika muZimbabwe pari zvino. Ruzivo rweraramo rwakarasika mu Zimbabwe naizvozvo ana mazvikokota vedu havana chavanoita nedzidzo yavo chinooneka. Asi vakakwanisa kuwana ruzivo rweraramo urwu, zvinobatsira kuti vachikwanisa kushandisa dzidzo yavakawana kuzvikoro mukurarama kwavo, uye mukushandura mararamiro emhuri ye Zimbabwe. Chinangwa chedu se ZRN ndechekupa vana ve Zimbabwe nzvimbo yekusangana vachipanana mazano, vachionesana nzira deraramo dziri nani dzavanoona kunyika dzavanogara, dzinobatsira mune zvakasiyana siyana zvakafanana nezvinotevera:
- Ruzivo rwekuchengetedza hutano rwakakosha kupfuura dzidzo yekuchikoro, basa kana hupfumi, nekuti pasina hutano nyangwe mazvikokota wedzidzo yekuchikoro haakwanise kushandisa dzidzo yake, nyange mupfumi haakwanise kushandisa hupfumi hwake. Asi kuti anotozoparadza hupfumi hwacho ave kutsvaga hutano. Mazvirokwazvo vakawanda vedu havakoshese hutano hwavo zvakakwana, vachizoyeuka bako vanaiwa. Se ZRN tine donzvo rekuona kuti mwana wese weZimbabwe anyatsonzwisisa kukosha kwekuzvichengetedza, uye awana ruzivo rwemararamiro anochengetedza hutano. Kwete kuti munhu haana chaanofunga nezvehutano kusvikira arwara. Kuti munhu wese ave anotsvaga kuchengetedza hutano nekurarama mararamiro anoita kuti munhu asatomborwara zvachose. Shuviro yedu ndeyekuvapa ruzivo rwe chikafu chinowedzera hutano nedzimwe nzira dzakawanda dzekudzivirira zvirwere. Ku ZRN tinoziva kuti vana ve Zimbabwe vakashaya hutano, havakwanisa kushanda, kuzviriritira, kuriritira mhuri, kana kuvaka nyika yavo. Naizvozvo mukvaka Zimbabwe idzva danho rekutabga rakakosha nderekuona kuti hutano hwevana veZumbabwe hwakachengetedzeka.
- kushayikwa kwokutenda kana kuti kuzvitenda, ndicho chimwe chezvikonzero zvikuru mukukundikana kwevazhinji. Kunyange vana mazvikokota vakadzidza zvikuru vakasava nekutenda kuti vanogonawo kugadzira zvingadzirwa navanamazvikokota vedzimwe nyika, havana chavanoita ne dzidzo yavo chinooneka. Mararamiro atakaita panguva dzehukoloni akatisiya tave kufunga kuti isu hatikwanise kugadzira zvigadzirwa uye tekinoroji yedu tega, asi kuti tinongoshandisa izvo zvakaburitswa nevamwe chete. ZRN ine chinangwa chekugadzirisa pfungwa dzedu kuti tizive kuti munhu wese anozvarwa aine mikana yakafanana, uye chinodikanwa chete kuvhura mikana iyi kuwana ruzivo rwekuti zvinoitwa sei, nekuedza kusvikira zvaita. Semufano: hakuna munhu akaberekwa achigona kutyaira mota, asi munhu akadziidziswa kutyaira, mushure mekudziidzira (kuprakitiza) kwemiyedzi mishoma,anenge otogona kutyairawo zvakanaka sevamwe. Tinoda kuonesa ruzhinji rweZimbabwe kuti vanokwanisa kuita chero chinhu chipi zvacho chakaitwa kana chinoitwa nevana ve dzimwe nyika. Chinodikanwa chete kuwana ruzivo nekutenda kuti vanogonao sevamwe, izvo zvinovapa simba rekuyedzawo.
- Kuzvidzora:Ichi ndoo chimwe chinhu chisingazivikanwe nevakawanda chakakosha mukubudirira muhupenyu. Kune nyaya dzakawandisa dzedzimba dzakaputswa, vanhu vakapika majeri, mabasa akapera, hupfumi hwakaparara, hukama hwakaparadzwa, nehupenyu hwakaparadzwa nekuda kwekutadza kuzvidzora. Zvinosuruvarisa, kuti vanhu vakawanda vanobvumira kuti hasha, shanje nezvimwe zvakadaro zviparadze zvinhu zvavashandira, kana kuti zvakavakoshera. ZRN inopa ruzivo nenzyewisiso yekuti matambudziko akawanda atinosangana nawo muupenyu anokonzereswa nekutadza kuzvidzora. Tinoda kuti vanhu vaone kuti hupenyu hunopfava sei munhu akadzidza kuzvidzora, tichidzidzisao nzira dzinobatsira kuti munhu akwanise kuzvidzora.
- Kunzwisisa mashandiro anoita pfungwa dzemunhu:Kuziva mashandiro anoita pfungwa dzemunhu mune kutaura pamwe nekuita kwake kunobatsira chose mukubudirira muhupenyu. Hapana chinokwanisa kuitwa chikabudirira pasina chekuita nevamwe. Naizvozvo kuziva nzira dzekutaura nekushanda nevamwe dzinoita kuti vamwe vakubatsire kana kuti vaite zvaunoda, zvakakosha. Semufano vana muzvinabhizimusi vanobhadhara vanamazvikokota ve human psychology pakugadzira ma adverts avo, kuitira kuti vanhu vatenge zvigadzirwa zvavo.
- Social media posts:Kune mitemo yehupenyu (isiri mitemo yenyika) isingazivikanwe nevakawanda asi inoshanda muupenyu hwemunhu wese. Marudzi akasiyana, nedzidzo dzakasiyana zvinoshandisa ngano, mifananidzo nemzazita akasiyana kudziidzisa pamusoro pemitemo iyi. Kuchechi, kuchivanhu, mungano kusanganisira nekuchikoro mitemo iyi ndiyo inenge ichidzidziswa. Kurarama munhu asingazive mitemo iyi zvakafanana nekutyaira munhu asingaziva mitemo yemumigwagwa. Haana kwaanokwanisa kusvika, uye anogumisira azvikuvadzisa kana kuzviuraisa. Shuviro yedu ndeyekubatsira vana veZimbabwe kuti vanzwisise kuti hazvibvire kuti munhu angorarama chero mararamiro aaita, asi kuti anofanira kurarama achiteedza mitemo iyi kuti ave neraramo yakanaka ine budiriro. Tinoshuvira kuvabatsira kuziva mitemo iyi, kuti vakwanise kushandisa ruzivo iri kuzvidzivirira kune njodzi nematambudziko, uye kuzvisimudzira muupenyu.
Pamusoro pezvo, kuburikidza nemashandiro akanyorwa pazasi, tinoyedza kubatsira nhengo dze ZRN kuti dzijekerwe dzive nenzwisiso yeupenyu yakadzama:
- Ma Road show:Vanhu vanopiwa ruzivo kuma road shows kwavanenge vaunganidzwa uye vachipiwa ma leaflets.
- NhauriranwaNhauriranwa dzepamhepo dzinorongwa, kuti nyanzvi dzakasiyana siyana dzinokwanisa kupa vanhu ruzivo, uye vanhu vachipa miono yavo nekvhunza mivhunzo.
- Tsamba dzepadandemutande:Ma video, ma audio, mifananidzo nezvimwe zvakadaro zvinotenderedzwa pa dande mutande zvichipa veruzhinji ruzivo.






