Nyoresa se nhengo                   

Kubatana

Tikabatana takawanda tikabvisa ma $1 edu tinokwanisa kuunganidza mari inosvika mamillions yatinokwanisa kushandisa kurerutsirana mitoro yeraramo, nekusimudzirana.

Tikadaro tinenge tazviumbira mhuri yedu, inotichengetedza, ichitibatsira mumatambudziko. Tichiti mumwe wedu akawirwa nenjodzi nehuwandu hwedu tinongobvisa ma 10c edu, totounganidza mari inokwana kubatsira vakawanda vanenge vawirwa nematambudziko. Naizvozvo umwe neumwe wedu anoziva kuti mhuri yedu inomubatsira pakawana chamuwira.

Pamusoro paizvozvo tikange takabatana tinokwanisa kutsigirana mune mabasa emaoko edu, kana mabhizimisi edu, tichitengerana zvigadzirwa zvedu pachedu. Avowo vanoita zvedandemutande tinovatsigira nekuenda kumibato yavo yepadandemutande tichi subscriber ku commenter neku liker. Tinokwanisazve kuita ma projects anopa nhengo dzemhuri yedu mabasa.

Mu Zimbabwe mbavha nemhondi dzabatana kuti dzikwanise kuramba dzichibira veruzhinji pasina chinodzimisa. Dzava kubira vanhu masikati machena, pasina zvavanokwanisa kuita nekuti vave kutya kukuvadzwa nembavha. Zvava kuda kuti nesuwo tibatane tichengetedzane nekudzivirirana kumbavha idzi, nekuti hadzichina matyira. Semufananidzo tinokwanisa kubatanidza ma cents tikabhadhara varindi vanorinda munharaunda dzedu.

Kutambura kwakanyaya mu Zimbabwe kuri kukonzerwa nekusabatana, munhu wese ari kuyedza kurarama oga nemhuri yake. Asi chinhu chinozivikanwa pasi rose, kuti hazvigone kuti munhu azviraramire oga achizviitira zvese oga. Ndoo saka kuine macommunities, macities, macountries. Kana dzimwe nyika dzakatobatana (eg USA, EU ...) nekuti dzakaona kuti zvinobatsira kubatana, hupenyu hunoreruka uye zvinobatsira mukubudirira kwenyika. Ngatisiyei mararamiro aya atikonzeresa kutambura, tibatane sezvakaita vamwe, tiwane kuvakiridza hupenyu hwedu nenyika yedu.

Kubudikidza nemabasa ari pasi tine shuviro yekubatsira kushandudza maonero evana veZimbabwe kuti vaone kukosha kwekubatana:

  • Ma Road show:
  • Nhauriranwa
  • Tsamba dzepadandemutande: