
Zvatiri sevana veZimbabwe
Sevana veZimbabwe tava vanhu rudzii? Takatora tsika dzakasiyana siyana kuvabvakure tichirasa dzedu dzinotipa hunhu hwedu uho hwaive ndihwo hwaro hweraramo yedu.
Pasina simboti rehunhu netsika nemagariro edu, hupenyu hwedu hwave hwekubatira mumaoko, vana vemunhu mumwe vachirwisana kana kuparadzana. Tinorarama sei, tigobudirira sei, kana tichiurayana pakati pedu? Kana tikakwikwidzana tichitorerana pane kuvakana nekuvaka nharaunda dzedu, tinobudirira sei uye nharaunda dzedu dzinofambira mberi sei?
Tave kufanira kudzokera kutsika nehunhu hwedu, totora zvakakosha zvaiveko zvinobatsira kutibatanidza nekutipa rudo pakati pedu zvakafanana nemapfekero edu, zvekudya zvedu, ngano dzedu, matauriro edu nechivanhu chedu. Kunyangwe zvazvo hazvigoneke kuti tigare sezvataiita pasi chigare, tinokwanisa kusandurudza magariro edu echinyakare kuti aenderane nehupenyu hwanhasi.
Kubudikidza nemabasa akanyorwa pazasi tinoshuvira kudzosa tsika nemagariro edu, kudzivandurudza nekudzidyara mumagariro edu anhasiDonzvo redu nderekuumbiridza nharaunda dzedu zvekare tive nema communities anotibatsira, achitichengetedza nekutisimudzira.
Kukurukura pamusoro penyaya dzinotevera munhauriranwa dzepadandemutande:
- Mapfekero edu sevana veZimbabwe(national dress):Kubvumirana nekusarudza national dress yedu, iyo inokwanisa kutipa chido nenyika yedu, sezvinoita uniform kana regalia.
- Ndimi dzedu:Tinokwanisa kuronga mitambo yepa dandemutande inobatsira kudzidza ndimi dzakasiyana dzinotaurwa mu Zimbabwe. Vana vadiki vanokwanisa kugadzirirwa ma cartoons anovadzidzisa ndimi dzakasiyana dzemu Zimbabwe. Pamusoro pazvo tinokwanisa kutanga chirongwa chekugadzira duramazwi remazwi matsva ezvinhu zvisati zvava nemazita mumarudzi edu.
- Tsika nehunhu hwedu:tinokwanisa kuita nhaurirano dzekuongorora nzira dzedu dzechinyakare kutsvaga zviri madziri zvakakosha zvakarasika. Izvi zvichiteverwa nema brainstorming seesions ekuedza kuona kuti nzira dzakakosha dzakarasika idzi tingadzidzosa sei nezira yekuti dzinopindirana nemagariro edu anhasi.Tadaro, tochitanga kudzidzosa.
- Zvekudya zvedu:Tinokwanisa kuita nhauriranwa tichiongorora zvekudya zvedu zvechinyakare, kuti zvanga zvakanakirei. Vana mazvikokota vachiitawo makwikwi ekutsvaga nzira idzva dzekubika nadzo zvikafu zvedu izvi, kutitira kuti zvive zvinofarirwa nekugamuchirwa zvakanaka.
- Chivanhu kana kuti Chikristu:Zvakakosha chose kuti titaure pamusoro penzira mbiri dzekurarama idzi dzinova dzakonzeresa kupesana kwakanyanya pakati pedu. Nechinangwa chekuti tipedze kupesana uku, kuitira kuti tibatane sevanhu vamwe.
- Ngano:Kuongorora ngano dzedu kuti dzaimbonyadzidzisei chaizvo. Tadaro tochibvisa mungano dzedu zvaidzidzisa zvinhu zvisingatisimudzire, zvinhu zvinotidzosa kumashure, tichiisa panzvimbo pazvo zvinhu zvinotipa pundutso nebudiriro.






