
Kusimudzira Ruzvinji
ZRN inopa nhengo dzayo masimba ekushandura hupenyu hwavo. Seboka tinoshuvira Zimbabwe ine vagari vakachangamukira hupenyu, vagari vanozvitira, vanozvitonga.
kuparadzira ruzivo ndiko kwakakosha pane zvese zvatinoita. Tinoshuvira kupa vana veZimbabwe ruzivo nekunzwisisa kuti vane simba rekugona kuitao zvinoitwa nemamwe marudzi uye kusimbisa kuti vavzisimudzire. Tinotsvakawo kumutsa mhuri ye Zimbabwe kuti vazive simba ravanaro muhuwandu hwavo sevaridzi venyika, vazive kodzero pane zvose zviri munyika yavo kuti vatore matanho ekushandura hupenyu hwavo uye kuzvitonga.
Kuburikidza nemashandiro akanyorwa pazasi, ZRN inozivisa ruzhinji ruzivo rwakakodzera, uye inovapa zvikwanisiro zvekuti vagadzirise hupenyu hwavo neramangwana ravo:
- Ma Road show.
- Nhauriranwa.
- Tsamba dzepadandemutande.
- Magungano ezvefundo
- Bvunzurudzo.
- Kuita mubatirapamwe nezvikoro nezvipatara, nemachechi.nechinangwa cheku paradzira ruzivo kubudikidza nenzvimbo idzi
- Indaneti.Kupa veruzhinji indaneti yakachipa, nekuvakurudzira kuishandisa kutsvaga ruzivo rwekuzvibatsira narwo kubudikidza nezve hutano, mabasa, matambudziko avanosangana nawo, zvematare (legal matters), uye kuzvisimudzira.
- Zvikwereti zvidiki zvisina interest.(vasiri nhengo dze ZRN vanobhadhariswa interest).
- Zvirongwa zvekusimudzira nharaunda.Kugadzira zvivakwa nezvimwe zvinodiwa kuti vanhu neraramo iri nani munharaunda.
- Kumiririra kodzero dzenhengo dzedu kunharaunda dzavanogara
- Kubatsira nhengo dze ZRN kana dzichinge dzatadza kuwana hutongi hwejekerere kumadzitare.
- Ma awards ekupa mubairo kune ma MPs nema Councillor anoita basa nemazvo.Tikapa ma MPs nema councillor mibairo yekushandira nharaunda dzavo, tinovakurudzira kuti vashande zvakawedzera, uye tichipa veruzjinji simba pamusoro pavo vari ivo vanosarudza kuti anopiwa mubairo ndiani.
- Kubatsira vagari kuvhunzurudza vashandi vehurumende nevezvematongerwo enyika kubudikidza nemashandiro avo.Kubatsira vagari kuita vhunzurudzo pane vinenge zvisiri kuitwa zvakanaka nevashandi vehurumende, uye tichipa mibairo kune avo vanogona basa ravo, tinopa vashandi shungu dzekushanda nesimba.
- Mvumiro kupinda mune zvematongerwo enyika.






