
Kusimudzira madzimai
Madzimai, ndivo anamai venyika. Ndivo vanorera nekukudza ruzhinji rwenyika. Vakasimudzirwa vanokudza ruzhinji rune muono, rwakarongeka, runofambisa nyika mberi.
Pamusoro pekusimudzira ruzhinji rwe Zimbabwe, tinoshuvira kusimudzira madzimai kubudikidza nenzira dzinotevera
- Ma seminar nema workshop:Pamusoro pematambudziko anosangana nemadzimai nevanasikana muhupenyu.
- Ma projects ekusimudzira vanhukadziMa projects anobatsira vanhukadzi kuwana kurarama nekuraramisa mhuri
- Kushandura dzidzo kuzvikoro, nekuwedzera ruzivo runosimudzira vanhukadzi:Kukumbira kune vakuru venyika kuti dzidzo nezivo pamusoro pematambudziko anosangana nevanasikana mukura kwavo, pamwe ne rairo yekuti vangaite sei pamusoro pematambudziko aya.
- Timhu dzinochengetedza hutano hwevanasikanaKuvaka timhu dzemadzimai anoshanda nezvikoro zvevarairidzi(teachers' colleges), nezvikoro zvaanamukoti, ma social workers, uye nemapurisa kuti vadzidziswe kuchengetedza hutano hwevanasikana, nekushanda nevanasikana kuvabatsira kuzvichengetedza uye kuvadzivirira kubva kunjodzi yekubatwa chibharo, pamwe nekubata mimba vasati vasvika zera.
- Kudzidzisa vatendi vanopinda kereke dzinoroodza vana vasati vasvitsa zera, akaita se Apostolic Faith.
- Kupa vanasikana ma sanitary pads.






