
Kuchengetedza nyika
Vakawanda havazive kuti ivo ndivo varidzi vezvinhu zvese zviri munyika. Naizvozvo havana hany'a nazvo nyange zvikabiwa kana kuparadzwa.
Kune vana ve Zimbabwe vakawanda vasingatozivi kuti ivo ndivo varidzi vezvinhu zvese zviri mu Zimbabwe kubatanidzira ivhu (land), michero, zvicherwa(minerals), zvivakwa (infrastucture), mhuka, nezvinhu zvese zvinotengwa nehurumende. Havazive kuti zvinhu zvese izvi zvinofanira kushandiswa kuvasimudzira, nekushandura hupenyu hwavo. Naizvozvo havana hany'a nazvo nyange vakaona zvichibiwa, kana kuparadzwa.
ZRN inoshuvira kubatsira vana veZimbabwe kuti vanzwisise kuti ivo ndivo varidzi venyika nezvese zvakaiswa mairi Nyadenga, izvo zvaakatipa kuti tishandise tese kuwana raramo munyika yedu.Pamusoro pazvo vazive kuti zvese zvinovakwa kana kutengwa nehurumende ndezvevana veZimbabwe vese, uye vese vane kodzero yekuzvishandisa, kana kubatsirika nazvo kurerutsa hupenyu hwavo. Tinoshuvira kuti vanzwisise kuti vakasiya zvichibiwa kana kuparadzwa, ivo ndivo vanosara vachitambura. Tinokurudzira vana ve Zimbabwe kuti variritire nekusimudzira zviwanikwa zvemunyika mavo zvese izvi. Kuti vamhan'are kwatiri, kana vakaona vanhu vachizvibata huyanga kana kuzviba. Kubudikidza nenzira dzakanyorwa pasi tinotarisira kuvazivisa kuti sevaridzi venyika nezvese zviri mairi, vakasungirwa kuzvichengetedza, uyezve vane kodzero yekuzvishandisa kana kubatsirika nazvo.
- Kumhang'ara: Kumhanga'ra kubatwa huyanga kwezviwanikwa munyika yavo, uye vashandi vehurumende vasingaite basa ravo zvakanaka. Tine chinangwa chekuita nhauriranwa dzepamhepo tichitaura pamusoro pazvo zvese izvi tichitarisa kuti pari kuresvewa tingapagadzirisa sei.
- Kupa nzira dzekusimudzira nyika: Veruzhinji vanokurudzirwa kutitaurira nzira dzavanoona dzekusimudzira zvivakwa nezvigadzirwa munharaunda dzavo. Ruzivo urwu, isu veZRN ticharushandisa kumanikidza vashandi vehurumende kuti vagadzirise pane zvinenge zvataurwa neveruzhinji.
- Kuvoter pamusoro pezvatinenge tataura: Kana tichinge taita nhauriranwa pamusoro pezvichemo zvinenge zvatumirwa neveruzhinji, uye ma improvements avanenge vasuggester, veruzhinji vanoita sarudzo yezvavanoda kuti tiite pakati pezvasuggestwa.






